Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 01, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neChipiri kusvika pamazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemumwe chete, kana kuti 591, vafa vachiri vanomwe.

Hurumende inoti iri kupa mizinda yayo mari inoita zviuru gumi zvemadhora ekuAmerica pamuzinda wega wega semari yekushandisa mukurwisa chirwere cheCovid 19.

Mutori wenhau ane mukurumbira munyika, Muzvare Grace Mutandwa, ashaya nhasi mushure mekurwara nechirwere chegomarara kwenguva yakareba.

Zimbabwe inorangarira vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Dr Joshua Nkomo, avo vakashaya musi wa 1 Chikunguru 1999.

Apo vanhu vakawanda munyika vakatarisana nenzara vamwe vagari vekumaruwa ekwaMazvihwa mudunhu reMidlands, vari mumaguta nekuda kwekushandisa nzira yekurima inochengetedza mvura shoma yavanowana.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kusangana nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, tine hurukuro neimwe nyanzvi mune zvehutano iyo iri kukurudzira kutevedzerwa zvakasimba kwemitemo yeW-H-O inodzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 panguva iyo vari kubva kunze kwenyika vakawanda vari ivo vari kuwanikwa vaine chirwere ichi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika panguva ino pasi rose rakatarisana nedambudziko reCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG