Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikumi 26, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neChina kusvika pamazana mashanu nemakumi mashanu nemumwe chete.

Mutongi wedare repamusoro ari kunzwa nyaya yamuzvinabhizinesi, Delish Nguwaya, anoti hurumende pane zvinhu zvakawanda zvairi kuvanza panyaya iyi.

Madzimai matatu eMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, anoti Muzvare Joanna Mamombe; Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova, vomirira kunzwa kuti dare repamusoro richavapa here mukana wekubvisa mari yechibatiso, ukuwo nyaya yavari kupomerwa ichitanga kunzwikwa mudare ramajesitireti.

Vagari vekuMasvingo vorambidzwa nemapurisa kupinda mukati meguta ravo kunyange vanenge vachida kuenda kubasa

Masangano masere anomirira varairidzi anoti haasi kuzotambira hurongwa hwakaparurwa nezuro nehurumende hwekufirita zvikoro kuuraya hutachiwana hunokonzera Covid-19 segadziriro yekunyorwa kwebvunzo dzemuna Chikumi dzeOrdinary Level neAdvanced Level idzo dzinotarisirwa kutanga musi wa 30 mwedzi uno, uye kuvhurwa kwezvikoro zvose mukupera kwemwedzi unouya.

Sangano reConfederation of African Football, Caf, rinozivisa kuti mitambo ye 2021 Africa Cup of Nations haisi kudzoka nechimbi-chimbi sezvayanga yakatarisira sezvo chirwere cheCovid-19 chiri kuramba chichinetsa.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa huori hwapfugamisa hupfumi hwenyika pamwe nemitongo iri kupihwa vanhu vamwe vachinyimwa mikana yekubvisa mari yechibatiso, vamwe vachipihwa mikana iyi kunyange vakatarisana nemhosva hombe kudarika mhosva dzeavo vari kunyimwa mukana uyu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikumi 26, 2020
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG