Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoshora zvikuru kusungwa kwemutungamiri webato rinopikisa muZambia vachiti vatungamiri vemuAfrica vanofanirwa kusiyana netsika yekubata vanovapikisa semhandu dzenyika, vachitiwo Zimbabwe inofanirwa kudyidzana nedzimwe nyika dzakabudirira kwete kutsamirana neChina chete.