Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 13, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoramba zvachose mashoko ekuti mutevedzeri wemutungamiri webato iri, Muzvare Thokozani Khupe, vari kushanda naAmai Joice Mujuru nechinangwa chekuti varasise VaTsvangirai musarudzo yemutungamiri wenyika gore rinouya.

Vamwe vagari vekwaRusape voendesa Bishop Trevor Manhanga kumatare vachiti havafanirwe kuvaka chechi yavo panzvimbo ine makuva ehama nemadziteteguru avo.

Hurumende inobhana kutengwa kwechibage chekunze kwenyika panguva iyo chikafu chisiri kukwanira nyika.

Mugodhi weEldorado kuMashonaland West wopedza vanhu nekudhirika.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutaura nevechidiki vari muchirongwa cheMandela Washington Fellowship, avo vari kuuya kuno kuAmerica kuswera mangwana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG