Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 30, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Vagari vekwaMutare vodyira mapurisa marasha vachiti haasi kusunga vanhu vari kupamba vana vadiki vachinovashandisa mumabasa emishonga.

Nhengo yeZanu PF, VaNaison Ndlovu, vanoitwa gamba renyika richavigirwa kuHeroes Acres neMugovera.

Sangano revashandi reZCTU rinoti harisi kufara nenhaurirano dze social contract richiti hurumende yaVaMugabe haisi yekuvimba nayo.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi hwenyika dzinoti kuparara kwemigwagwa kwokuvadzawo hupfumi hwenyika.

Vemakambani ekunze voita musangano wekutsvaga nzira dzekumutsiridza kambani ye National Railways of Zimbabwe.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa mhirizhonga iri kuitika mumitambo yenhabvu inonzi iri kukonzerwa nevechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG