Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikumi 07, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikumi 07, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri muSouth Africa zvogara zvichityira kuburitswa munyika iyi sezvo vanenge vaenda kunogadzirisa mapepa avo vari kusungwa vachibva vaburitswa munyika iyi.

Mabhishopu musangano reCatholic Bishop Conference onyorera VaMugabe tsamba achivakurudzira kuremekedza bumbiro remitemo kuitira kuti sarudzo dziitwe munyika zviri pamutemo.

Vanhu vomhanyira kuChirundu Border Post kunotenga ma bond notes pamwe nema US Dollars pamukoto uko ari kuwanikwa nyore.

Vechidiki veZanu PF nesangano reTajamuka vorodzerana makano zvichitevera mashoko eTajamuka ekuti nhengo dzayo dzicharatidzira zvinokonzera kugeda geda kwemeno munyika mwedzi uno.

Muchirongwa cheLive Talk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika kuSouth Africa uko vari muhupoteri vanonzi vari kuburitswa munyika iyi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG