Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, 14, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, 14, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kuumba mubatanidzwa pakati paVaMorgan Tsvangirai naAmai Joice Mujuru kwonetsa sezvo pasina kuwirirana uye paine kufungirana kwakanyanya.

Bato reZanu-PF roita musangano waro wePolitburo muHarare nhasi nyaya yaVaSavior Kasukuwere yekuti vodzingwa here mubato ichitarisira kuzeyiwa.

Mahofisi eInternational Labour Organisation muZimbabwe neNamibia nhasi audza dare reSenate kuti makambani anoshambadza mabasa pamadandemutande asina kunyoreswa zviri pamutemo ndiwo mamwe ari kukonzera kuti vanhu vakwanda vabude munyika vachinobatwa chibharo kana kunoshandiswa nenhapwa dzekunze kwenyika.

Vamwe vagari vemuBulawayo vacherechedza zuva reWorld Blood Donor Day veNational Blood Services of Zimbabwe vachikururdzira vanhu vakuru kunyanya kuti vazvipire kupa ropa pachena.

Tichakupa zvabuda mumitambo yenhabvu yeCastle Premier Soccer League yatambwa nhasi.

Muchirongwa cheLivetalk na8pm tirikuzeya nezvekomiti yedare reparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika iyo iri kuronga kuita hurukuro nehurumende yeSouth Africa neBotswana ichigunun’una nekwainoti kubatwa neseri kweruoko kwezvizvarwa zveZimbabwe munyika idzi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG