Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikumi 05, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikumi 05, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mapato anopikisa oshora zvikuru mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nekuenda kwavo kumusangano we United Nations – Oceans Summit, achiti VaMugabe vari kutambisa mari yenyika kunopinda kumisangano isineyi nezvinobata Zimbabwe.

Sangano reCross Border Association rinoparura chirongwa chemari inosvika mamiriyoni gumi nemashanu ichabatsira vanoita mabasa ekutenga nekutengesa zvinhu kunze kwenyika.

Komisheni inoona nezvesarudzo inopa kambani yekuChina basa rekuunza michina ye Biometric Voter Registration kits izvo zviri kushorwa nemapato anopikisa.

Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanoti Zimbabwe haisati yasvika pakuti dhora remunyika ridzoke.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa rwendo rwaVaMugabe kumusangano weUnited Nations – Oceans Summit, uko vakawanda vanoti VaMugabe havaifanirwa kunge vari.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG