Accessibility links

VaParirenyatwa Voyambira Vanhu Kuti Vasadye Huku Dzine Chirwere che Bird Flu.

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Dr David Parirenyatwa

Gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vari kuyambira veruzhinji kuti vasadye huku dzinenge dzawonekwa dzine chirwere che bird flu.

Va Parirenyatwa vanoti gurukota rezvekurima riri kutarisirwa kuudza dare remakurukota neChipiri kuti dambudziko iri rakamira seyi munyika.

Dr Parirenyatwa vanoti dambudziko iri pari zvino rinonzi rakabatwa kukambani yeIrvines chete uye huku dzeko dzinonzi dzichapiswa kuitira kuti dzisadyiwe nevanhu zvisiri pamutemo.

Zvichitevera kubuda kwechirwere ichi, Irvines yakauraya huku dzinodarika zana nemakumi mana ezviuru svondo rapera.

South Africa, Botswana neMozambique dzakazivisa kuti dzichambomira kutora huku dzinobva muZimbabwe mushure mekubuda kwedambudziko re bird flu iri.

Vazhinji, zvikuru vekumaruva vari kukurudzirwawo kuti vaende kuna vanachiremba vekubazi remhuka, reLivestock and Veterinary Services kana vachinge vafunga kuti huku dzavo dzabatwa nedambudziko rebird flu.

"Pari zvino kune mahofisi akawanda kumaruva uko vanenge vasangana nedambudziko iri vanokwanisa kuendesa huku dzavo kuti dzivhenekwe, kana mumaguta nzvimbo idzi dziripo uye vanhu vanofanira kudzishandisa kuitira kuti dambudziko iri risarambe richipararira," Dr Parirenyatwa vaudza Studio7.

Mukuru webazi rezvemuka, VaUnesu Ushewokunze, vanoti vachiri kuferefeta kuti chirwere ichi chakakonzerwa neyi kunyange hazvo vari kufungidzira kuti chakakonzerwa nemadhadha nehanzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG