Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 06, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 06, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vakafanobata chigaro chemutungamiri weNational People’s Party, Amai Joice Mujuru, vanoti ndivo chete vane mukana wakasimba wekuti vaitwe mutungamiri wemubatanidzwa wemapato anopikisa acharwisana neZanu PF musarudzo.

Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vanoti chirongwa chavo chekusangana nevanhu chiri kutsigirwa zvikuru zvisineyi kuti vanhu vari kuchema nerekuti vari kutyisidzirwa zvikuru kuMashonaland Central.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzotaura pamusoro pedambudziko remagetsi munyika, uye zvingaitwe mukugadzirisa dambudziko iri.

America inoti pane mukana mukuru wekuti mari yechirongwa chePepfar inopihwa Zimbabwe ichawedzerwa gore rinouya

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa misangano iri kuitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachisangana nevechidiki mumatunhu akasiyana siyana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG