Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chivabvu 29, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti hurongwa hwekuumba mubatanidzwa wemapato anopikisa huri mugwara kunyange hazvo nguva iri kupera pakatariswa nguva ichaitwa sarudzo gore rinouya.

Vakava meya wechitema wekutanga muguta reBulawayo, VaNaison Ndlovu, vanoshaya.

Kutongwa kwaPastor Phillip Mugadza kwoendeswa kuConstitutional Court zvichitevera kugunung’una kwaVaMugadza vachiti vari kutyorerwa kodzero dzavo panyaya yavari kupomerwa.

Vagari vekuDzivarasekwa vofara zvikuru nekutariswa maziso pachena mushure mekubatsirwa nesangano reLion’s Club of Harare West neMugovera wapfuura.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehurongwa hwemubatanidzwa wemapato anopikisa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG