Bhanga reAfrican Development Bank rinoti riri kutarisira kuti hupfumi hwenyika yeZimbabwe kana kuti GDP huchakura nechikamu chimwe nezviga zvitatu kubva muzana kana kuti 1,3 % gore rino nenyaya yegoho rakanaka riri kutarisirwa.
NRZ inonzi ine chikwereti chemari inosvika mamiriyoni makumu mapfumbamwe nemaviri kuvashandi vayo vave nemakore vasingatambiriswe.
Masangano eUnited Nations Population Fund (UNFPA) ne Students and Youth Working on Reproductive Health Action Team (SAYWHAT) ovhura nzvimbo paMidlands State University yekuti vadzidzi vakwanise kuungana vachiita mitambo yakasiyana-siyana pamwe nekukurukura nezve kodzero dzavo munyaya dzepabonde.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hapana kudududza pahurongwa hwekuita mushandira pamwe wemapato vachiti vakazvipira kushanda nemapato ane chivimbo navo ivo VaTsvangirai.
Muimbi Tytan anoti arikugadzirira kuenda kuBritain muna Chikunguru kuHigh Tea pasi pesangano reOlinda Chapel Foundation. Tytan uyo akanyora rwuyo "Mukoko" urwo akaimba naAmara Brown, anoti zvinhu zviri kufamba zvakanaka uye ane vimbo yekuti veruzhinji vachafarira mimhanzi yake yaachangobva kutsika.
Mapurisa anokanda zvombo zvehutsi hunokachidza pamusha panga pakaungana nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dzinosanganisira Muzvare Thokozani Khupe kuLupane Matabeleland North.
Vezvematongerwo enyika votatsurana zvichitevera kusawirirana muparamende pabhiri rekomisheni yerunyararo nekugarisana zvakanaka
Sangano rinokweretesa mari pasi rose, reInternational Monetary Fund, rinoti Zimbabwe inofanirwa kusunga dzisimbe kuitira kuti igadzirise dambudziko remari pamwe nekudzikisa mari inoshandiswa nehurumendekuitira kuti zvinhu zvipinde mugwara munyika.
Zvimwe zvizvarwe zveZimbabwe zvechidiki zviri muAmerica zvinoti zvinoda kudzokera kunobatsira nyika kana zvinhu zvanaka. Mumwe musikana wechidiki muzvare Jackie Nyamutumbu vanoti shuwiro yavo ndeyekuti vaende kunoshandisa ruzivo rwavarikuwana muAmerica kumusha kana zvinhu zvagadzikana.
Vanhu vakawanda vanoti havasi kufara nehurongwa hwehurumende hwekuda kubvisa mutemo unobvumidza zvizvarwa zveZimbabwe dual citizenship.
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 11, 2017. Vaimbove gurukota rezvehupfumi, avo vakabuda muhurumende vachiita zvekutiza, VaNkosana Moyo, vanoti vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vakazvimirira.
Germany inoti manyepo kuti Zimbabwe iri kunyimwa mari nenyika dzakabudirira nepamusana pezvematongerwo enyika ichiti Zimbabwe iri kunyimwa mari nepamusana pekutadza kubhadhara zvikwereti zvayo.
Zvikoro zvinovhurwa nhasi vabereki vakawanda vachiti vari kutadza kutora mari dzavo mumabhanga.
Vaimbi vebhendi reMookomba rekuVictoria Falls iro riri kushanya muAmerica rakafadza vazhinji muguta reWashington DC, pachirongwa chePassport DC chakaitwa muguta iri neMugovera. Ngatinzweyi nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Zvikoro zvovhurwa mangwana vabereki vakawanda vachiti vari kutadza kutora mari dzavo mumabhanga.
Chirongwa chemutungamiriri weAmerica chekurwisa chirwere cheHIV/AIDS che United States President’s Emergency Plan for AIDS Relief (PEPFAR) chatora mukana we Harare International Festival of the Arts (HIFA) kubatanidza mitambo nekudzidzisa vanhu nezveHIV/AIDS. Ngatinzweyi kubva kunevamwe variko.
Sangano reZimbabwe Election Support Network rokurudzira Zimbabwe Electoral Commission kuti itange nekukurumidza kunyoresa vavhoti ichishandisa michina mitsva yeBiometric Voter Registration.
Murwiri wekodzero dzevanhu muzvare Jestina Mukoko votaura vezve bhuku ravo idzva, rinotaura nezve nhorowondo yetsekwende yavakatarisana nayo apo vakapambwa. Ngatinzweyi kubva kuna muzvare Mukoko pamusoro penyaya iyi.
Vanhu vakawanda munyika voda kunyatsonzwisisa mashandiro echirongwa cheBiometric Voter Registration.
Rodhai zvimwe