Vanhu vakawanda munyika voda kunyatsonzwisisa mashandiro echirongwa cheBiometric Voter Registration.
Mapato ari muNera oparura neMugovera hurongwa hwekukurudzira vechidiki kuti vanonyoresa kuvhota.
Magweta nevanoita zvematongerwo enyika votaura maonero avo pamusoro pemabasa akaitwa nevaimbove mukuru wevatongi vematare, VaGodfrey Chidyausiku, avo vakashaya nezuro.
Vashandi vehurumende vojamuka zvichitevera hurongwa hwe Public Service Medical Aid Society hwekuda kukwidza mari dzinobatirwa vashandi nezvikamu mazana matatu kubva muzana.
Muchirongwa cheWomen’s Roundtable na8pm tiri kutarisa mabhizinesi ari kuitwa nevanhukadzi.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Facebook Forum