Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chivabvu 08, 2017


Nhau DzeShona
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chivabvu 08, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvikoro zvovhurwa mangwana vabereki vakawanda vachiti vari kutadza kutora mari dzavo mumabhanga.

Vanhukadzi vanobva kumapato anopikisa vakaungana muHarare mukupera kwesvondo vachiparura chirongwa chinonzi HashTag Her Votes 2018 icho chinokurudzira madzimai kuti avhote zvine mutsindo musarudzo dza 2018.

Vana vadiki pamwe nevakuru vane dambudziko re cleft lip and palate vogadzurudzwa pachena kuMpilo Hospital muBulawayo.

Nyanzvi dzozeya ongororo yakaitwa neAfrobarometer iyo inoti vanhu vakawanda vanofarira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa ongororo yeAfrobarometer iyo inoti VaMugabe vari kufarirwa zvakanyanya munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG