Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 11, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 11, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Vaimbove gurukota rezvehupfumi, avo vakabuda muhurumende vachiita zvekutiza, VaNkosana Moyo, vanoti vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vakazvimirira.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti mashoko a Registrar Reneral, VaTobaiwa Mudede, ekuti mutemo uvandudzwe kuitira kuti Zimbabwe ibvise dual citizenship, mashoko asina musoro uye anozvidza bumbiro remitemo yenyika.

Mamwe masangano anoshanda akazvimirira anoti haana mufaro nekuti hurumende haina kutora pfungwa dzawo pamusoro pemashandiro airi kuita mukuita zvisungo zveUnited Nations zvekupedza hurombo nekugara zvakanaka kwevanhu zveSustainable Development Goals.

Vashandi vehurumende vanoti havasi kufara nehurongwa hwehurumende hwemasitendi vachiti masitendi aya ari kudhura zvakanyanyisa.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa hurongwa hwemadzimai hwekukurudzirana kuti vanyorese kuitira kuti vagovhota zvine mutsindo gore rinouya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG