Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chivabvu 22, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hapana kudududza pahurongwa hwekuita mushandira pamwe wemapato vachiti vakazvipira kushanda nemapato ane chivimbo navo ivo VaTsvangirai.

Ropa rinodeuka muZanu PF muBulawayo zvichitevera kurwisana kunotyisa pakati penhengo dzeZanu PF dziri muzviikwata zvakasiyana.

Kusajeka kwemashoko egurukota rezvemaindasitiri pamusoro pemutemo unorambidza kupinzwa kwezvinhu munyika, S. I. 64 kwokonzera kusagadzikana muvanhu vanorarama nekutenga zvinhu kunze kwenyika vachizozvitengesa munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mhirizhonga iri kuitika muZanu PF.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG