Nhepfenyuro yeVoice of America yabatana nechikoro chepamusoro che George Washington University pachirongwa chekuzeya kuti vanoda kudzidza muAmerica vachibva kune dzimwe nyika vanozvifambisa seyi.
asangano anorwira kodzero dzevanhu okurudzira kubatana kwevanhu munyika kuitira kuti vabude mumadhaka avari munyaya dzehupfumi.
Muimbi wenziyo dzechitendero, Themba Tagwireyi, uyo anozivikanwa nerekuti Thembelami, anoti ari kufara nematambirirwo akaitwa mimhanzi wake nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica kuMaryland ne Newyork uko akaridza mukupera kwesvondo.
Vashandi vemuZimbabwe vanobatana nepasi rose mukucherechedza zuva revashandi asi paine mutauro pamusoro pehurumende inonzi iri kuda kupatsanura hukama hwevashandi kuburikidza nehurongwa hwaitwa kuChinhoyi
VaLameck Chimoka vekuMabvuku vanoti vanhu vanofanirwa kutaura chokwadi panenge pave kuvigwa mufi sezvo vazhinji vachireva nhema pakuviga muchakabvu. VaChimoka vakatorwa vhidhiyo vari kumarinda uko vakashora mumwe mudzimai wavanoti akabata mwana wavo musikana nekunze kweruoko paakatizira mwana wavo.
Mutungamiri wenyika, vanotaura muBulawayo vachirumbidza chirongwa cheZITF
Vagari vekuMarondera votambira nemufaro chirongwa chekunyoresa kuvhota pachishandiswa michina yeBiometric Voter Registration kits, asi vachiti havana chivimbo chekuti Zec ichaita sarudzo dzakachena gore rinouya.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvotaura pamusoro pekupomerwa kuri kuitwa vanhu vemuZimbabwe nehurumende yeSouth Africa vachinzi vari kuita humbavha nehumhondi muSouth Africa.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvinoti zviri kufara nemabasa ari kuitwa naMuzvare Jestina Mukoko munyaya dzekurwira kodzero dzevanhu kunyanya dzemadzimai nevanasikana. Muzvare Moira Tsanga, avo vanogara muWashington, vanoti vanoyemura hushingi hwaMuzvare Mukoko.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoenderera mberi vachitaura pamusoro pezviri kuitika munyika.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanotaura pamusoro pezvibvumirano zvavakanyorerana pasi naAmai Joice Mujuru naVaWelshman Ncube.
Hurumende yotanga kupa vashandi vayo mabhonasi egore rapera ichitanga nemasoja nevashandi mubazi rezvehutano svondo rino.
Vatungamiri vakaumba MDC muna 1999, VaMorgan Tsvangirai naVaWelshman Ncube, vanobatana kuitira kuti mapato avo aite mushandira pamwe musarudzo dza2018. VaTsvangirai naVaNcube vanga vasingadyidzane kubva muna Gumiguru 2005 apo MDC yakapatsanuka kekutanga kubva yaumbwa.
Dunhu reMashonaland West rinoti VaSavior Kasukuwere ngavadzingwe muhurumende nemuZanu PF sezvo vatadza kumutsiridza bato reZanu PF pamwe nekuzvidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
Zimbabwe inocherechedza kusvika makore makumi matatu nemanomwe yawana kuzvitonga, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachitungamira hurongwa hwaitirwa mu National Sports Stadium muHarare.
Mumwe mukomana musope, Tawanda Nyahasha, uyo ari kuita zvidzidzo muAmerica, anoti nhoroondo yehupenyu hwake iri kumubatsira mukunyora nhetembo dzine chekuita nehupenyu hwake. Ngatizweyi hurukuro yaakaita naMarvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio 7.
Dambudziko rekushaya mari rokonzeresa hurumende kuti vabereki vasina mari dzechikoro vabhadhare mari idzi vachishandisa zvipfuyo zvavo zvakaita sembudzi.
Tawanda, uyo akakurira muHarare, ari kuita zvidzidza ku North Carolina paJohston and Smith University.
Vari pamudyandigere vorara pamahofisi anovapa penjeni dzavo vachitarisira kupihwa tumari tushoma twavanopihwa sepenjeni.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoudza ma war vets kuti vasakare masimba sezviri kuitwa nevamwe vavo.
Rodhai zvimwe