Accessibility links

Breaking News

Nyanduri, Tawanda Nyahasha Onyora Nhetembo Dzinobata Hupenyu Hwake


Tawanda Nyahasha
Tawanda Nyahasha

Mumwe mukomana musope, Tawanda Nyahasha, uyo ari kuita zvidzidzo muAmerica, anoti nhoroondo yehupenyu hwake iri kumubatsira mukunyora nhetembo dzine chekuita nehupenyu hwake.

Tawanda anoti mukukura kwake akasangana nezvakawanda asi chakamubatsira kuti ave netarisiro rudo rwaanowana kubva kuvabereki vake.

Tawanda, uyo akakurira muHarare, ari kuita zvidzidza ku North Carolina paJohston and Smith University.

Achitaura neStudio7 ari muWashington umo ari kushanyira hama yake, Father William Guri, Tawanda anoti zvizhinji zvakaitika kwaari achikura muhupenyu hwake asi izvi zvakamupa kushinga.

Munyori uyu anoti izvi ndizvo zvinopa kuti nhetembo dzake dzitaure nezvehupenyu hwake pamwe nehwevamwe veruzhinji vari muAmerica.

"Ndinofadzwa nekuti ndakakwanisa kutora zvidzidzo zvandakasangana nazvo ndiri mudiki kuti zvindibatsire munhetembo dzangu kunyangwe zvazvo ndiri kudzinyora nechirungu munguva inotevera ndichanyora dzeShona," Tawanda audza Studio7.

Tawanda anoti shuviro yake ndeyekuti hurumende ikwanise kuwedzera dzidzo yeveruzhinji panyaya dzehusope uye kudzikisa mitengo yemishonga nezvimwe zvinodiwa neavo vanorarama nehusope.

Hurukuro naTawanda Nyahasha
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG