Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 02, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 02, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Masangano anorwira kodzero dzevanhu okurudzira kubatana kwevanhu munyika kuitira kuti vabude mumadhaka avari munyaya dzehupfumi.

Mutauro wotsviriridza zvichitevera kukweretwa nehurumende zvisina mvumo yeparamende mari inodarika bhiriyoni imwe chete yemadhora kukambani yeTrafigura inozivikanwa nezvehuori pamwe nekutyora kodzero dzevanhu munyika dzainoshandira. Mari iyi iri kushandiswa kubhadhara zvikwereti zvehurumende kumabhanga akaita se World Bank, IMF nemamwe.

Chizvarwa cheZimbabwe chinogadzira App inopa ruzivo munyaya dzematongerwo enyika kune vechidiki.

Zimbabwe yocherechedza Press Freedom Day mangwana vatori venhau vachichema nemabatirwo avanoitwa nehurumende.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa mabasa ari kuitwa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu, kana kuti social movements.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG