Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 20, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 20, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vatungamiri vakaumba MDC muna 1999, VaMorgan Tsvangirai naVaWelshman Ncube, vanobatana kuitira kuti mapato avo aite mushandira pamwe musarudzo dza2018. VaTsvangirai naVaNcube vanga vasingadyidzane kubva muna Gumiguru 2005 apo MDC yakapatsanuka kekutanga kubva yaumbwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kubatana kwemapato anopikisa kunogona kupa kuti Zanu PF ikundwe musarudzo dzegore rinouya. Asi vamwe vanoti ko Zanu PF ikaramba kubva pachigaro iyo yakundwa sezvakaitika muna 2008, mapato anopikisa achaita seyi rwendo rwuno zvinoita kuti VaMugabe neZanu PF vabvume kukundwa?

Vechidiki veZanu PF vopika kuti rwendo rwuno vachakwikwidzana nevakuru vavo muma primaries ebato vachiti vaneta nekunyeberwa nevanhu vavanga vachivhotera kwemakore ose apfuura. Vechidiki ava vanoti zviri nani kuti vazvimirire kuitira kuti vagadzirise vega zvinenge zvichavanetsa ivo vechidiki ava.

Zimra inoti yakakwanisa kudarika nezvikamu zvitanhatu kubva muzana kuwana mari yayakatara kuti ichawana kubva kumitero inobhadharwa nevatengi pamwe nevanhu vari kupinza zvinhu munyika. Asi vamwe vanobvunza kuti mari iyi ichashandiswa nemazvo here?

Mitambo yemazuva mana yeZimbabwe Open inotanga muHarare, vakawanda vachiti Zimbabwe ichiri kusaririra mumutambo we golf zvekuti zvichanetsa kuti vatambi vemunyika vakunde mumakwikwi aya.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nemadzimai ari kuManzou, kana kuti Arnold Farm, iyo yakapihwa mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, kuti vachengetera mhuka dzesangano – izvo zvakasiya madzimai aya nemhuri dzavo vasina pakugara

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG