Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vokurudzirwa Kuti Vasatye Kudzidza muAmerica Kure


Letwin Fushayi
Letwin Fushayi

Nhepfenyuro yeVoice of America yabatana nechikoro chepamusoro che George Washington University pachirongwa chekuzeya kuti vanoda kudzidza muAmerica vachibva kune dzimwe nyika vanozvifambisa seyi.

Musangano uyu wange une vanyarikani vanosanganisira Va Paul White veku Johns Hopkins School of Medicine, Va Raj Bhargava vekuStanford, Va Douglas Shaw vepa George Washington University nevamwewo vana muzvinafundo.

Vazhinji vapinda muchirongwa ichi vange vachida kuziva kuti nekusanduka kwaita hurumende muAmerica uye nechirongwa chitsva chemutungamiri wenyika iyi, VaDonald Trump, chekurambidza zvimwe zvizvarwa zvekune dzimwe nyika kuti zvipinde munyika yavo vaizotambirwa here?

Vanyarikani vazhinji vataura pamusangano uyu vazivisa kuti zvikoro zvizhinji zvakatotanga zvirongwa zvekutsigisa hana dzevadzidzi vekune dzimwe nyika sezvo avo vanenge vawana nzvimbo uye vane mapepa avo vari kutarisirwa kutambirwa nemawoko maviri.

Vamwe vange vachibvunza nenyaya dzerubatsiro rwema scholarships nekuti vaizobvumidzwa kushanda here vachinge vasvika muAmerica.

Vanyarikani vese vange vari pachiitiko ichi vayambira vanenge vawana nzvimbo dzechikoro kuti vataure nezvikoro zvavo nekuti pane dzimwe mari dzinowanikwa mushure metsvakiridzo.

Chirongwa ichi change chichitepfenyurwa padandemutande redu re Facebook uye munokwanisa kuenda pa peji redu re VOA Shona kuti muchiwone.

Mumwe mutsigiri wepeji redu re VOA SHONA, Muzvare Letwina Fushai, vari ku Oregon muAmerica vanoti zvirongwa zvakadayi zvakakosha sezvo dzidzo yakakosha kumunhu wese zvisineyi kuti ane makore mangani.

"Ini ndakauya kuno ndikatanga chikoro ndave nemakore makumi mashanu tikadzidza pachikoro chepamusoro izvo zvakandibatsira kuti ndinyore bhuku rangu rinonzi "Bindy Her African Dream" uye ndiri kutarisira kuenda kuHollywood sezvo ndave nezvinyorwa zvandiri kuda kuti zviitwe firimu," Muzvare Fushai vaudza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG