Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kubvumbi 17, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Dambudziko rekushaya mari rokonzeresa hurumende kuti vabereki vasina mari dzechikoro vabhadhare mari idzi vachishandisa zvipfuyo zvavo zvakaita sembudzi.

Kurwira masimba kuri kuitika muZanu PF koramba kuchienderera mberi paine chinagwa chekupidigura gurukota rezvematunhu, VaSavior Kasukuwere.

Mitengo yezvinhu yoramba ichikwira izvo zviri kusiya vanhu vakawanda vari parumana nzombe.

Highlanders yotatsurana neDynamos mumakwikwi e Independence Trophy.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa hurongwa hwekuti vabereki vabhadhare mari dzechikoro dzevana vavo vachishandisa mbudzi kana huku dzavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG