Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 27, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 27, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vagari vekuMarondera votambira nemufaro chirongwa chekunyoresa kuvhota pachishandiswa michina yeBiometric Voter Registration kits, asi vachiti havana chivimbo chekuti Zec ichaita sarudzo dzakachena gore rinouya.

Studio7 inotarisa zvakadzama bata murefu bata mupfupi iri kuitika muZanu PF.

Madzimai akawanda opinda muchirongwa chekubaisa vana vavo nhomba kuitira kuti vana ava vadzivirirwe kuzvirwere zvinonetsa vana vadiki.

MuHarare munovhurwa imwe nzvimbo ichange ichiongorora pamwe nekurapa chirwere chegomarara.

Muchirongwa cheWomen’s Roundtable na8pm tiri kutarisa kushungurudzwa kuri kuitwa vanhukadzi mudzimba.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG