Mutungamiri wesangano iri, Amai Sasi Sibanda-Ncube, vanoti sangano ravo rakatanga makore gumi nematatu apfuura uye gore rega rega vanoita musangano uyu munzvimbo dzakasiyana siyana.
Nhengo dze Woza dzinoratidzira muBulawayo dzichiti hadzisi kufara nemabatirwo ari kuitwa vana vechikoro nehurumende…
Mapato anopikisa onetsana ne Zec pamusoro pemitemo inobata sarudzo munyika>
Studio7 inosvitsa makore gumi nemana ichitepfenyura zviri kuitika muZimbabwe. Ngatizweyi nekuwona matepfenyurirwo anoitwa nhau paStudio 7.
Studio7 inosvitsa makore gumi nemana ichitepfenyura zviri kuitika muZimbabwe
Zapu yoshushikana nekusajekeswa kwechirongwa chekuviga mapfupa evanhu vakafa munguva yeGukurahundi
Zec inotambira zviri kudiwa neNera zvekupa basa rekutenga michina yekunyoresa kuvhota kukambani iri pamakambani matatu akasarudzwa neUNDP
Zvimwe zvikoro zvotara mangwana sezuva rekupedzisira kubhadhara mari dzebvunzo yeOrdinary Level.
Dzimwe nhengo dzeZanu PF dzinoratidzira muBindura dzichiti political commissar webato, VaSavior Kasukuwere, vasiiswe basa
Vechidiki veMDC-T vanoparura chirongwa chinonzi Bereka Mwana Tienda chekukurudzira vabereki kuti vatorese vana vavo zvitupa kana vasvika makore gumi nemanomwe kuitira kuti vakwanise kunyoresa kuti vazovhota gore rinouya.
Hurumende inodaidza Ishe neGomo nevamwe vanhu kuti vave zvapupu zvinorovera Pastor Phillip Mugadza nemhosva yekuzvidza madzishe, makereke pamwe nemhuri yekwaMugabe yavari kupomerwa
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanodoma VaLuke Malaba semutongi mukuru wematare kutsiva VaGodfrey Chidyausiku.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinobva kunharaunda dzakasiyana siyana muAmerica zvakasangana muWashington DC pamuchato wa amai nababa Chinembiri mazuva apfuura. Mumwe weavo vaive pamuchato uyu ndimuzvare Therry Tandi vanoti zvakakosha kuti vanhu vakoshese tsika nemagariro avo kunyangwa vari kure.
Zanu PF Women’s League inotambira kudzingwa kwa Amai Eunice Sandi Moyo na Amai Sarah Mahoka muboka remadzimai rebato riri kutonga iri.
Amai Jessica Mukora-Tembo nemurume vavo vanoti vakatanga bhizimusi rekubatsira vachati nyanya vanobva kuZimbabwe mukuvagadzirira nzvimbo yavanenge vachichatira. Kambani ya amai nababa Tembo inonzi Euphoria Events iri kuTexas, asi vanoti gore rino vachange vachishanda munzvimbo dzakasiyana siyana.
Amai Grace Mugabe nemapurisa vopomerwa mhosva yekusatevera mutongo weHigh Court wekuti vamire kuputsa dzimba dzevanhu vari papurazi reManzou iro vanoti vakapihwa nehurumende.
Masachigaro ematunhu gumi muZanu PF Women’s League anoungana muBulawayo achikurudzira kudzingwa mugungano revanhukadzi iri kwaAmai Eunice Sandi Moyo pamwe naAmai Sarah Mahoka.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoudza mapositori pamwe neruzhinji rweZimbabwe kuti vanamatire VaMugabe kuti vatonge nyika kusvika vafa.
Zimbabwe iri kutarisirwa kuzeya zvine hudzamu kumusangano wevanhukadzi mu New York dambudziko rekurodzwa kwevanasikana vasati vabva zera iro rinonzi riri kuramba richikwira munyika.
Mapato anopikisa anoungana muHarare achikurudzira komisheni inoona nezvesarudzo kuti ivandudze mafambisirwo esarudzo munyika.
Rodhai zvimwe