Nhengo dzeZimbabwe Electoral Commission dzinobuda mumusangano waitwa pakati pe ZEC nemapato ezvematongerwo enyika dzichiti dzaneta nekushorwa nemapato anopikisa
Nyaya yekurodzwa kwevanasikana vasati vabva zera iri kutarisirwa kuzeyewa zvakadzama kumusangano mukuru weUnited Nations CSW 61 uri kuitirwa muNew York. Amai Paurina Mpariwa Gwanyanya ve MDC-T uye vari mutevedzeri we mutungamiri wekomiti inomirira madzimai muparamende votaura nezve musangano uyu.
Nyaya yekurodzwa kwevanasikana vasati vabva zera iri kutarisirwa kuzeyewa zvakadzama kumusangano mukuru weUnited Nations CSW 61 uri kuitirwa muNew York.
Zimbabwe yokumbira zana nemakumi masere emamiriyoni emadhora yekuti ibatsire vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura
Chizvarwa cheZimbabwe chiri kushanda kuWorld Bank semukuru webazi re Africa Group 1, Va Andrew Bvumbe, vanoti basa ravo guru nderekuona kuti Zimbabwe yabhadhara zvikwereti zvayo. VaBvumbe vanotungamira bazi rine nyika makumi maviri nembiri dzemu Africa.
Vanhu vanopesana muChinhoyi pamusoro penguva inofanirwa kutanga hurongwa hwekupodza maronda nekugarisana kwakanaka munyika.
Kanzuru yeHarare yoenderera mberi ichiputsa misika yevanotengesera zvinhu iyo inoti haisi pamutemo.
Musangano mukuru weUnited Nations - Commission on the Status of Women, CSW 61, wekuzeya zviri kutarisana nevanhukadzi watanga zvakare neChitatu muguta reNew York mushure mekumbomiswa kwezuva rimwe nekuda kwechandomupengo.
Nyaya yeGukurahundi yotsviriridza zvakare kuMatabeleland panguva iyo bhiri rekupodzwa kwemaronda nekugarisana riri kuzeyiwa neveruzhinji.
Nyaya yeGukurahundi inotsviriridza pamusangano waitwa nhasi muBulawayo wekunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhiri rine chekuita nekupodzwa kwemaronda nerunyararo munyika.
Mhirizhonga inotyisa inoitika kuMbare nekuHighfield mukupera kwesvondo.
Pastor Phillip Mugadza vanopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso mushure mekupedza mazuva makumi mashanu nematatu vachinyimwa mukana uyu.
Vanorwira kodzero dzevanhu vanobatana nemhuri yekwaDzamara muHarare vachirangarira VaItai Dzamara avo vakapambwa vakatsakatika makore maviri apfuura.
Zimbabwe inobatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva revanhukadzi pasi rose, re International Women’s Day.
Mutungamiri wesangano re Shamwari yeMwanasikana, Muzvare Ekenia Chifamba, vanoti zvakakosha kuti kodzero dzevanasikana nemadzimai dziremekedzwe uye kupembedzawo mabasa ari kubatwa nevanhukadzi munyika.
Muzvare Linda Masarira vanotongerwa kupika kwemwedzi gumi nemisere vachibva havo kumba kwavo.
Hurumende inoti ichatanga kubhadhara vashandi vayo mabhonasi egore rapera kutanga muna Kubvumbizvichienda mberi asi ichitanga nemasoja nevashandi vemuzvipatara.
Vatori venhau veNewsDay vanosungwa vachipomerwa mhosva yekuzvidza hofisi yemutungamiri wenyika zvichitevera nyaya yavakaburitsa pamusoro pehurwere hwaVaMugabe.
Vana chiremba navana mukoti vanoenderera mberi nekuramwa mabasa, izvo zviri kusiya varwere vari panguva yakaoma.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vakataura neChipiri mudare reCongress apo vakataura hwaro hwebhajeti ravo rekutanga.
Rodhai zvimwe