Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vokurudzirwa Kuti Varemekedze Kodzero Dzemadzimai


Muzvare Sally Dura vesangano reWomen's Coalition Of Zimbabwe
Muzvare Sally Dura vesangano reWomen's Coalition Of Zimbabwe

Masangano anorwira kodzero dzemadzimai nevanasikana vanoti vachabatana nehurumende neChitatu mukucherechedza zuva remadzimai iro riri kucherechedzwa pasi rose.

Mutungamiri wesangano re Shamwari yeMwanasikana, Muzvare Ekenia Chifamba, vanoti zvakakosha kuti kodzero dzevanasikana nemadzimai dziremekedzwe uye kupembedzawo mabasa ari kubatwa nevanhukadzi munyika.

Dingidira reUnited Nations regore rino rinoti, “Women in the Changing World of Work: Planet 50-50 by 2030.” Dingindira ririkushandiswa zvenepasi rose kusanganisira Zimbabwe nderekuti Be Bold For Change.

Izvi zvinotsinhira zvirongwa zveUnited Nations zvekuti pange pane kuyenzaniswa kwemikana kwevanhukadzi nevanhurume pachasvika gore ra 2030.

Muzinda weAmerica muZimbabwe nhasi wakokera chirongwa chekucherechedza mabasa arikuitwa nevanhu pamwe nemasangano anoshanda mukuchengetedza kodzero dzemadzimai.

"Sangano redu richange rinezvirongwa zvekucherechedza mabasa arikuitwa nemadzimai nemusi weChishanu. Tichange tinevanyarikani vakawanda uye tirikutarisira gurukota rezvemadzimai pachiitiko ichi," Muzvare Chifamba vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG