Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kurume 06, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Hurumende inoti ichatanga kubhadhara vashandi vayo mabhonasi egore rapera kutanga muna Kubvumbi zvichienda mberi asi ichitanga nemasoja nevashandi vemuzvipatara.

VaMugabe vanoenda kuGhana kunopemberera nyika iyi kusvitsa kwayo makore makumi matanhatu yawana kuzvitonga, vamwe vachiti VaMugabe vaifanirwa kuenda kunoona vanhu vari kufa nemafashamu.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanopedza hurongwa hwekunzwa pfungwa dzevatsigiri vebato ravo kuMashonaland West vazhinji vavo vachinyunyuta nekusajeka kwehurongwa hwesarudzo dzegore rinouya.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa dambudziko remafashamu ayo auraya vanhu vanosvika mazana maviri nemakumi mashanu munyika panguva iyo VaMugabe vanomhanyira kuenda kuGhana vasina kana kumboshanyira vana veZimbabwe vari kuvhiringwa nemafashamu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG