Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kurume 03, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Vatori venhau veNewsDay vanosungwa vachipomerwa mhosva yekuzvidza hofisi yemutungamiri wenyika zvichitevera nyaya yavakaburitsa pamusoro pehurwere hwaVaMugabe.

Makakatanwa ari muZimbabwe People First anomanikidza Amai Joice Mujuru kubuda nezita idzva rebato ravo rekuti National People’s Party.

Kanzuru yeBulawayo yotaura pamusoro pezvinofanirwa kuitwa nehurumende kuitira kuti mvura isanetsa muguta iri.

Vashandi vehurumende vanoti havasi kuzoshanda neMuvhuro kunyange vanenge vari pamabasa kudzamara hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa dambudziko remafashamu ayo auraya vanhu vanosvika mazana maviri nemakumi mashanu munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG