Kanzuru yeHarare yoenderera mberi ichiputsa misika yevanotengesera zvinhu iyo inoti haisi pamutemo.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vorumbidza chirongwa chekusimbisa mabhizinesi evanhu vatema apo vavhura kambani yesemende kuMsasa.
Nyaya yeGukurahundi yotsviriridza kuMatabeleland panguva iyo bhiri rekupodzwa kwemaronda nekugarisana riri kuzeyiwa neveruzhinji vachirishora.
Va Ahmad Ahmad vekuMadagascar vanosarudzwa semutungamiri we CAF vachikunda Va Issa Hayatou vekuCameroon.
Muchirongwa chedu cheWomen’s Roundtable na 8pm tiri kutarisa zviri kubuda kumusangano we United Nations – Commission on the Status of Women, uko kuri kukurukurwa zvinosangana nevanhukadzi muhupenyu.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu
Facebook Forum