Accessibility links

Breaking News

Kupambwa kweMadzimai Kwozeyiwa nuNew York


Amai Monica Mutsvangwa- sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvemadzamai muZimbabwe,
Amai Monica Mutsvangwa- sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvemadzamai muZimbabwe,
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Musangano mukuru weUnited Nations - Commission on the Status of Women, CSW 61, wekuzeya zviri kutarisana nevanhukadzi watanga zvakare neChitatu muguta reNew York mushure mekumbomiswa kwezuva rimwe nekuda kwechandomupengo.

Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvemadzamai muZimbabwe, Amai Monica Mutsvangwa, vanoti vari kufara nekutambirwa kwakaitwa zvinyorwa zvebasa rakabatwa nehurumende nemasangano akazvimirira mukurwisa dambudziko rekupambwa kwevanhukadzi vanenge vaenda kunoshanda kunyika dzakaika seKuwait.

Amai Mutsvangwa, avo vari kumusangano uyu kuNew Yorki, vanoti Zimbabwe ichaenderera mberi ichiita zvirongwa zvekurwisa kupambwa kwevanhukadzi vachinomanikidzwa kuita mabasa avasingadi.

Zvimwe zviri kuzeyiwa kumusangano uyu zvinosanganisira dambudziko rekuroodzwa kwevanasikana vasati vabvazera.

"Tirikutarisira kudzidza nekudzidzisawo dzimwe nyika zvatadzidza pamusoro pedambudziko rekupambwa kwemadzimai nevanasikana vanenge vaenda kunotsvaga mabasa, uye nezve dambudziko rekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera," Amai Mutsvangwa vaudza Studio 7.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG