Mutungamiri weAmerica VaDonald Trump votaura kekutanga mudare guru reCongress muAmerica vachikurudzira kubatana.
Murwiri wekodzero uye ari mutungamiri wesangano re Zimbabwe Women In Politics Alliance, Muzvare Lynda Masarira, vaburitswa muchipatara neChipiri.
Meya weguta reJohannesburg opemerwa mhosva yekuomesa musoro pakushungurudzwa kwezvizvarwa zvedzimwe nyika zvichitevera mashoko aanonzi akataura anoonekwa seanokurudzira kurwiswa kwevabvakure vari muSouth Africa.
Hurumende inoti vashandi havafanirwe kuramwa mabasa sezvo paine kutaurirana kuripo, ukuwo vashandi vachiti havasi kuzodzokera kubasa kudzamara zvichemo zvavo zvagadziriswa.
Amai Precious Zizhou ve Zanu PF vopa pfungwa dzavo pamusangano weConstitutional Amendment waitwa kuChinhoyi nhasi. Vhidhiyo - Arthur Chigoriwa.
Nhengo dzeZanu PF dzoimba pakupera kwemusangano weConstitutional Amendment kuChinhoyi nhasi. Mutori wedu wenhau Arthur Chigoriwa anotipa nyaya inotevera.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvogara zvakabatira ura mumaoko zvichitevera kurwiswa kuri kuitwa zvizvarwa zvekunze kweSouth Africa nezvizvarwa zvenyika iyi.
Vechidiki veZanu PF vanofora muBulawayo vachitsigira mutungamiri wavo, VaRobert Mugabe, avo vari kuitirwa mabiko kuMatopo neMugovera
Hurumende inoti ichapa ZEC mamiriyoni gumi nemanomwe emadhora ichashandiswa kutenga michina yechizvino zvino ichashandiswa kunyoresa vavhoti, kana kuti Biometric Voter Registration kits.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanosvita makore makumi mapfumbamwe nematatu nhasi vakawanda vachiti vakwegura ngavachisiya basa
Varairidzi vekumaruwa vanokanda mapadza pasi vachiti hurumende inofanirwa kuvapa mabhonasi avo egore rapera.
Dutumupengo re Cyclone Dineo rinopinda munyika risina haro hukasha hwakanyanya sezvange zvichitarisirwa.
Vana chiremba vanoshanda muzvitapara zvehurumende vanoramwa mabasa vachiti hurumende haisi kugadzirisa zvichemo zvavo.
Zimbabwe neZambia dzinokwereteswa mari yekuvakiridza mudhuri weKariba Dam, asi Zimbabwe isingabati mari iyi.
Vana chiremba voyambira kuti vachatanga kuratidzira nemusi weChitatu kana hurumende ikatadza kugadzirisa zvichemo zvavo….
Dare ra Magistrate rinoti richanzwa nyaya yaPastor Phillip Mugadza musi 20 Kukadzi, izvo zvichaita kuti varambe vari mujeri….
Pastor Evan Mawarire ve#This Flag vanoburitswa mujere zvichitevera kupihwa kwavakaitwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba….
Mutungamiri webato reTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume avo vari kushanya muAmerica pari zvino vanoti vanowona bato ravo richidyidzana nehurumende yaVa Donald Trump ichangobva kugadzwa. VaNgarivhume vanoti mapato emunyika anofanirwa kudzidza kubva kuAmerica panyaya yehutongo hwejechetere.
Pastor Evan Mawarire ve This Flag vanobvisiswa mazana matatu emadhora semari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba.
Rodhai zvimwe