Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 22, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Hurumende inoti ichapa ZEC mamiriyoni gumi nemanomwe emadhora ichashandiswa kutenga michina yechizvino zvino ichashandiswa kunyoresa vavhoti, kana kuti Biometric Voter Registration kits.

Mapazi ehurumende oshorwa achinzi ndiwo ane huori hwakanyanyisa.

Kusada kusiya basa kwaVaMugabe kunonzi kunogona kukonzera kusagadzikana munyika.

Mhirizhonga yakananga zvizvarwa zvisiri zvemu South Africa, xenophobic attacks, yoenderera mberi mu South Africa.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mhirizhonga ye xenophobia iri kuitika mu South Africa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG