Pastor Evan Mawarire ve This Flag vanobvisiswa mazana matatu emadhora semari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vosangana nevatsigiri vavo kuMidlands.
Makakatanwa mubato reZimbabwe People First Amai Mujuru vachiti vadzinga vamwe vavakadzingwa navo muZanu PF, ukuwo vanhu ava vachiti vadzinga Amai Mujuru mubato.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8:00pm tiri kutarisa zviri kuitika mumapato anopikisa.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Facebook Forum