Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi 16, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Nzvimbo dzakawanda dzinorohwa nedutumupengo re Cyclone Dineo risati ramboonekwa munyika.

Vana chiremba vanopinda muzuva repiri vachiramwa mabasa.

Bato rePeople’s Democratic Party rinopinda mumubatanidzwa wemapato we Code mutungamiri waro, VaTendai Biti, vachiyambira Zanu PF kuti pavo papera.

Studio7 inotarisa zvakadzama zvingaitike munyika kubva nhasi zvichienda mberi kana VaMugabe vakaramba vari mutungamiri wenyika.

Muchirongwa cheWomen’s Roundtable na 8:00pm tiri kutarisa zviri kuitwa nemadzimai mukuzvisimudzira vachiita mitambo inovaraidza.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Misoro Yenhau Dzanhasi China, Kukadzi 16, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG