Chikumbiro chaPastor Evan Mawarire ve This Flag chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso chonzwikwa muHigh Court neChitatu zvichitevera kukundikana kwehurumende kusvitsa magwaro ayo kudare iri.
Chikumbiro chaPastor Evan Mawarire ve This Flag chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso chonzwikwa muHigh Court mangwana.
Vatsigiri vepeji reVOA Shona paFacebook vari kushora hurumende nemutero mutsva we15% VAT uyo wakadzikwa pachikafu muchinguva chapfuura. Vazhinji vanoti hurumende inofanirwa kunzwira vanhu tsitsi sezvo mari irikunetsa kuwana, uye kusina mabasa, izvo zvoita kuti vanhu vazhinji vanonge svosve nemuromo.
Pastor Evan Mawarire ve#This Flag vomirira kunzwa mutongo wavachapihwa nedare nhasi zvichitevera kusungwa kwavakaitwa neChitatu.
Mapurisa anoramba akachengeta muhusungwa Pastor Evan Mawarire ve This Flag avo vakasungwa nezuro vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende zvichitevera kuratidzira kwavakaita kuNew York kumusangano weUnited Nations General Assembly gore rapera.
Nhepfenyuro ye Voice Of America nhasi yasvitsa makore makumi manomwe nemashanu ichitepfenyura. Mukuru wenhepfenyuro iyi, Amai Amanda Bennett, vanoti nhepfenyuro iyi iri kuramba ichisimba mumabasa airi kuita uye inotepfenyura nemarudzi makumi mana neshanu pawayaresi neterevhizheni.
Sangano re Election Resource Center rokurudzira ZEC kuti itange kudzidzisa vanhu nezvekuvhota.
Mapato eMDC-T ne Zanu PF oyambira nhengo dzawo dzatomhanyira mberi dzichitsvaga rutsigiro mapato aya asati aparura chirongwa chekutsvaga rutsigiro.
Varairidzi vekumaruva vozivisa hurumende kuti zvichemo zvavo zvikasagadziriswa vacharatidzira mukupera kwemasvondo maviri.
Sangano rinozivikanwa nenyaya dzekuratidzira, re Tajamuka, rinoti riri kupinda mumigwagwa mangwana richiratidzira kusafarira kushungurudzwa kuri kuitwa vanotengesera mumigwagwa.
Nhengo dzeparamende dzozeya kuburitswa kwema Warriors mumakwikwi e 2017 Afcon.
Hurumende yoshorwa zvichitevera kutadza kwavo kuchengetedza kodzero dzeshirikadzi dziri kutorerwa midziyo nehama dzemurume.
Mutungamiri mutsva weAmerica, VaDonald Trump, vatanga svondo ravo rekutanga vari pabasa nyika zhinji dzemuAfrica dzinosanganisira Zimbabwe dzakamirira kuti dzinzwe hwaro hutsva hwa VaTrump pamusoro penyika dzekunze.
Chikwata chema Warriors chosangana nhasi manheru neTunisia kuAfcon 2017 muGabon.
Vamwe varwi vehondo vanoti vanotsigira mutungamiri mutsva weAmerica VaDonald Trump. Mumwe murwi wehondo anoti akatyoka gumbo pahondo yeku Iraq, asi arikufadzwa nekugadzwa kwavo pachigaro sezvo aneruvimbo rwekuti vachaita basa ravo nemazvo. Ngatinzweyi hurukuro yaitwa naMarvellous Mhlanga-Nyahuye.
Vamwe vakomana vechidiki vakabva kuFlorida vanoti vakafadzwa zvikuru nekufamba kwakanaka kwebhizinesi ravo rekutengesa zvinhu kuneavo vanga vashaya kuzotsigira Va Trump pakugadzwa kwavo. Vakomana vaviri ava vanoti vanotsigira vaTrump sezvo vasina huwori uye vachigona kufambisa mabhizinesi avo.
Mumwe mudzamai anotambura anoti kunyangwe zvake asina kuwana mukana wekuenda kwange kuchigadzwa VaDonald Trump semutungamiri weAmerica, anetarisiro yekuti hupfumi hwenyika yake husimbe. Mudzimai uyu audza Marvellous Nyahuye kuti shuwiro yake ndeyekuti VaTrump vawanise vanhu pekugara pakanaka.
Mumwe mutsigiri waVa Donald Trump wechidzamai anoti achange ari kumabiko emusi weChishanu asi achaenda zvakare kunobatana nemamwe madzimai achange achiratidzira nemugovera. Anoti anoda kunyatsonzwisisa zvichemo zvemadzimai kuitira kuti bato rake rigadzirise pasina kumira zvakanaka.
Zvimwe zvizvarwa zveAmerica zvinoti zviri muWashington kuzotsigira VaDonald Trump avo vachange vachigadzwa semutungamiri mutsva weAmerica neChishanu. Amai Amy Bazoro vaudza Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 kuti vari kufara nekugadzwa kwaVa Trump.
Mumwe mudzimai anotsigira Amai Hillary Clinton, Amai Brook Oliver, vanoti gumbo ravo harisi kuzotsika kunzvimbo ichange ichigadzwa VaTrump.
Rodhai zvimwe