Chikumbiro chaPastor Evan Mawarire ve This Flag chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso chonzwikwa muHigh Court neChitatu zvichitevera kukundikana kwehurumende kusvitsa magwaro ayo kudare iri.
Sangano re Index on Censorship rinodoma Pastor Mawarire kuti vave mumwe wevanhu vana vangangowane mubairo we 2016 Digital Activism.
Vagari vekuMasvingo vochema chema nekumanikidzwa kubvisa mari yekushandisa pabhavhadhe raVaMugabe.
Muchirongwa chevechidiki, The Connection na 8:00pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyaya dzekodzero pamwe nezvematongerwo enyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Facebook Forum