Sangano rinozivikanwa nenyaya dzekuratidzira, re Tajamuka, rinoti riri kupinda mumigwagwa mangwana richiratidzira kusafarira kushungurudzwa kuri kuitwa vanotengesera mumigwagwa.
Vanhu vakawanda vochema chema nemitengo iri kusiyaniswa kana munhu achitenga nedhora rekuAmerica kana nema bond notes.
Zanu PF yoshoropodza mutungamiri webato rinopikisa muSouth Africa, VaJulius Malema, avo vakati VaMugabe ngavasiye basa, vachitiwo vanhu vemuZanu PF imbwende chaidzo
Zimbabwe yoiswa panyika dzine huori hwakanyanyisa pasi rose
Muchirongwa cheLiveTalk – Women’s Roundtable na 8:00pm tiri kutarisa dambudziko rakatarisana neshirikadzi munyaya dzepfuma inenge yasiiwa nemurume anenge ashaya
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/