Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi 2, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mapurisa anoramba akachengeta muhusungwa Pastor Evan Mawarire ve This Flag avo vakasungwa nezuro vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende zvichitevera kuratidzira kwavakaita kuNew York kumusangano weUnited Nations General Assembly gore rapera.

Kanzuru yokurudzirwa kutsvaga dzimwe nzira dzekuchenesa mvura yemuzvibhorani inonzi ine tsvina pane kuvhara zvibhorani izvi.

Hurumende inoti yatora zvikamu makumi mashanu kubva muzana zveminda iri pasi pekambani yemigodhi yeZimasco.

Muchirongwa chemadzimai cheWomen’s Roundtable na 8:00pm tiri kutarisa dambudziko renyaya dzenhaka rakatarisana neshirikadzi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Misoro Yenhau Dzanhasi China, Kukadzi 2, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG