Accessibility links

Breaking News

Africa Yotarisira Kuona Hurongwa hwaVaTrump


VaDonald Trump
VaDonald Trump

Mutungamiri mutsva weAmerica, VaDonald Trump, vatanga svondo ravo rekutanga vari pabasa nyika zhinji dzemuAfrica dzinosanganisira Zimbabwe dzakamirira kuti dzinzwe hwaro hutsva hwa VaTrump pamusoro penyika dzekunze.

Bato reZanu PF rinoti riri kutarisira kuti VaTrump vachabvisa zvirango zvehupfumi zvakatemerwa nyika ukuwo bato rinopikisa reMDC-T richiti havawoni izvi zvichiitika.

VaTrump vange vakatarisirwa kuburitsa America kubva sangano rekutengeserana renyika gumi nembiri rePacific Rim, apo vari kutanga svondo ravo vari muhofisi.

Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu anoshanda nesangano re Institute of Young Women Development, Muzvare Glanis Changachirere, vanoti zviri kuitika muAmerica zvinoratidza kunaka kwehutongo hwejechetere uye veruzhinji vakamirira kuona kuti VaTrump vakarongereyi Africa.

"Vazhinji vakamirira kuona hwaro hwa VaTrump paAfrica, zvikuru Zimbabwe. Asi zviri kunetsa sezvo mutungamiri mutsva ane shungu yekugadzirisa hupfumi hweAmerica. Zvichatora nguva kuti pazivikanwe kuti Africa ichadyidzana seyi hurumende itsva iyi," Muzvare Changachirere vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG