Pastor Evan Mawarire ve#This Flag vomirira kunzwa mutongo wavachapihwa nedare nhasi zvichitevera kusungwa kwavakaitwa neChitatu.
Sachigaro we Zimbabwe Electoral Commission, Amai Rita Makarau, vanobvuma kuti hazvisi nyore kufambisa sarudzo muZimbabwe.
Mapurisa oenderera mberi achimbunyikidza kodzero dzevanotengesa mumigwagwa kunyange hazvo matare akati vasabviswe munzvimbo dzavanotengesera muHarare.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8:00pm tiri kutarisa zvinoreva kusungwa kwaPastor Evan Mawarire na Pastor Patrick Mugadza.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Facebook Forum