Accessibility links

Breaking News

Voice of America Inosvitsa Makore Makumi Manomwe neShanu


Amanda Bennett
Amanda Bennett

Nhepfenyuro ye Voice Of America nhasi yasvitsa makore makumi manomwe nemashanu ichitepfenyura. Mukuru wenhepfenyuro iyi, Amai Amanda Bennett, vanoti nhepfenyuro iyi iri kuramba ichisimba mumabasa airi kuita uye inotepfenyura nemarudzi makumi mana neshanu pawayaresi neterevhizheni.

Amai Bennett vanoti donzvo reVOA nderekutepfenyura nhau dzechokwadi dzisina kwadzakarerekera kune avo vasingawanzowana mukana wekuwana nhau.

Kunyangwe zvazvo dzimwe nhengo dzebato reZanu PF dzichishora nhepfenyuro iyi dzichiti inoshandiswa nehurumende dzekunze vamwe vemubato iri vanotaura panhepfenyuro iyi nguva dzakawanda.

Sachigaro wesangano reZimbabwe National Editor’s Forum, Va Njabulo Ncube, vanoti nhepfenyuro dzakadai seVOA dzakanaka sezvo dzichitepfenyura nhau dzechokwadi kune veruzhinji kunyanya vekumaruva.

"Vanhu kunyanya vekumaruva vanotomirira kunzwa nyau kubva kuVOA sezvo nhepfenyuro dzemo munyika dzisingatepfenyure dzimwe nhau kunyanya dzemamwe mapato nedzematongerwo enyika. VOA inopa veruzhinji vekumaruva mukana wekuziva zvirikuitika munyika nekuti masaisai edzimwe nhepfenyuro dzemuno haasvike kune dzimwe nzvimbo," VaNcube vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG