Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 31, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mapato eMDC-T ne Zanu PF oyambira nhengo dzawo dzatomhanyira mberi dzichitsvaga rutsigiro mapato aya asati aparura chirongwa chekutsvaga rutsigiro.

Sangano reNational Aids Council roita chirongwa chekuvheneka ropa kana riine HIV munguva dzemanheru sezvo vanhu vari kuswera vari mumabasa muswere wose wezuva.

Vana vechikoro kuMashonaland West vanoti hurumende inofanirwa kubhadhara varairidzi nenguva kuitira kuti vaite basa nemazvo.

Vatsigiri venhabvu vanoti vanoda kuti Calisto Pasuwa arambe ari murairidzi wechikwata chema Warriors.

Muchirongwa chevechidiki che The Connection tiri kutarisa hurongwa hwekunyoresa kuitira kuti vanhu vazovhota muna 2018.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Misoro Yenhau Dzanhasi Chipiri, Ndira 31, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG