Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 24, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Hurumende yoshorwa zvichitevera kutadza kwavo kuchengetedza kodzero dzeshirikadzi dziri kutorerwa midziyo nehama dzemurume.

Paramende inovhura ichikurudzirwa kutambira bhajeti kuitira kuti hurumende iwane mari yekushandisa, uye kuvandudza mutemo unoita kuti ma bond notes ashandiswe zviri pamutemo.

Dare repamusoro rinomiswa kubvisa vanotengesera zvinhu zvavo mumigwagwa kusvika nyaya iri mumatare yapera.

Chikwata chema Warriors chinobudiswa mumakwikwi e 2017 AFCON.

Muchirongwa cheLiveTalk Youth Connection – na 8:00pm tiri kutarisa zvikonzero zvakapa kuti ma Warriors atadze kubudirira kuGabon.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Misoro Yenhau Dzanhasi Chipiri, Ndira 24, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG