Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 1, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Sangano re Election Resource Center rokurudzira ZEC kuti itange kudzidzisa vanhu nezvekuvhota.

Muzinda weAmerica muHarare woita mabiko ekupemberera kugadzwa kwaVaDonald Trump semutungamiri weAmerica.

Rimwe sangano roburitsa ongororo inoti chirongwa chekuti vanhukadzi vamirirwe muparamende zvakaringana hachisi kuzadzisa zvinotarisirwa nevanhukadzi.

Vari kunze kwenyika voumba mapato ezvematongerwo enyika akawanda.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:00pm tiri kutarisa kuumbwa kwemapato akawandisa panguva iyo nyika yakatarisana nesarudzo gore rinouya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Misoro Yenhau Dzanhasi Chitatu, Kukadzi 1, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG