Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 25, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Nhengo dzeparamende dzozeya kuburitswa kwema Warriors mumakwikwi e 2017 Afcon.

Hurumende inotadza kuwirirana nevashandi vayo panyaya yemabhonasi egore rapera.

Muchirongwa cheDiaspora, tiri kutarisa hurongwa hwekukurudzira hurumende yeSouth Africa kuti iwedzere nguva yekugara zviri pamutemo kwezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa.

Hurumende inovhara makireshi asiri pamutemo muChinhoyi.

Muchirongwa cheLiveTalk – na 8:00pm tiri kutarisa hurongwa hwekukurudzira hurumende yeSouth Africa kuti iwedzere nguva yekugara zviri pamutemo kwezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Misoro Yenhau Dzanhasi Chitatu, Ndira 25, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG