Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 24, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvogara zvakabatira ura mumaoko zvichitevera kurwiswa kuri kuitwa zvizvarwa zvekunze kweSouth Africa nezvizvarwa zvenyika iyi.

Vanhu voungana muBulawayo neMatopo kuitira kuti vapinde mumabiko ebhavhadhe raVaMugabe mangwana.

Vashandi vehurumende voramba kupihwa masitenzi vachiti vanoda kupihwa mabhonasi avo iri mari.

Vasikana vanorarama nekuita zvepabonde kuChipinge votaura nezvekuoma kuri kuita hupenyu zvichikonzerwa nekushaya mari koitwa nevarume vanovabhadhara kana vachinge varara navo.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa VaMugabe vari kudya vachipfachura uku zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvakasimudzirwa matemo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG