Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanosvita makore makumi mapfumbamwe nematatu nhasi vakawanda vachiti vakwegura ngavachisiya basa
Vechidiki vemapato anopikisa vanoti hapana chekupemberera bhavhadhe raVaMugabe sezvo vari kukundikana kuvawanira mabasa.
European Union inowedzera negore zvirango zvakatemerwa VaMugabe nehurumende yava.
Vana chiremba vanoti vari kuenderera mberi nekuramwa mabasa kudzamara hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo zvose.
Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zvinoreva bhavhadhe raVaMugabe kune vechidiki munyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Facebook Forum