Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kukadzi 27, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Hurumende inoti vashandi havafanirwe kuramwa mabasa sezvo paine kutaurirana kuripo, ukuwo vashandi vachiti havasi kuzodzokera kubasa kudzamara zvichemo zvavo zvagadziriswa.

Studio7 inotarisa zviri kuitika muSouth Africa pari zvino zvichitevera mhirizhonga yakananga vabvakure kana kuti xenophobic attacks.

Madzimai akazvitakura kuManicaland obatsirwa neruzivo kubva kuvamwe vavo vakadzidziswa kuti vagobatsira madzimai ari kure nezvipatara nemakiriniki.

Dynamos inorohwa 3-1 ne Caps United muma semi finals emukombe we Zimbabwe National Army Charity Shield.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu muZanu PF zvichitevera mashoko aVaMugabe ekuti hapana anokodzera kutora chinzvimbo chavo VaMugabe mubato.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG