Meya weguta reJohannesburg opemerwa mhosva yekuomesa musoro pakushungurudzwa kwezvizvarwa zvedzimwe nyika zvichitevera mashoko aanonzi akataura anoonekwa seanokurudzira kurwiswa kwevabvakure vari muSouth Africa.
Studio7 inotarisa zvakadzama kuparara kwaita migwagwa uko kuchavhiringa zvakanyanya hupfumi hwenyika.
Nherera dzopihwa mbudzi hadzi kana kuti sheshe kuManicaland kuitira kuti vadzipfuye vozowana cheuviri mune remangwana ravo.
Muchirongwa chevechidiki che The Connection na 8pm tiri kutarisa zvinofungwa nevechidiki zvichitevera mashoko aVaMugabe ekuti vapinde muchirongwa cheNational Youth Service.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.