Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kukadzi 13, 2017


Nhau DzeShona Studio7

Vana chiremba voyambira kuti vachatanga kuratidzira nemusi weChitatu kana hurumende ikatadza kugadzirisa zvichemo zvavo.

Pasi rose rinocherechedza zuva reWorld Radio Day nyaya dzekutepfenyura dzichiitwa pachizivano nehurumende yeZanu PF.

Kuvandudzwa kwebumbiro remitemo kuitira kuti VaMugabe vadome vega mukuru wevatongi vematare kokonzeresa mutauro.

Caps United ne Ngezi Platinum dzinoita mangange nezvikwata zvekunze mumakwikwi Caf Champions League.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:00pm tiri kutarisa mamiriro akaita nyaya dzenhepfenyuro panguva iyo pasi rose riri kucherechedza World Radio Day.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro, Kukadzi 13, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG